Ephesians 2

Ruponeso inyasha dzaMwari

1Wakakuraramisai, imwiwo makange makafa mukudarika nemuzvivi, 2izvo zvamaifamba mazviri kare maererano nenzira yenyika ino, maererano nenzira dzemutungamiriri wesimba redenga, dzemweya unobata zvino muvana vekusateerera; 3vataifamba tesewo pakati pavo kare mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nekwefungwa, uye pachisikirwo taiva vana vekutsamwirwa, sevamwewo. 4Asi Mwari, wakafuma panyasha, nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo, 5kunyange takange takafa mukudarika, wakatiraramisa pamwe naKristu (makaponeswa nenyasha); 6akatimutsa pamwe naye, akatigarisa pamwe naye kunzvimbo dzekudenga muna Kristu Jesu; 7kuti nenguva dzinouya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu. 8Nokuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri; chipo chaMwari; 9hazvibvi pamabasa, kuti kusava neanozvikudza. 10Nokuti tiri basa rake, takasikirwa mabasa akanaka muna Kristu Jesu, Mwari aakagara agadzira, kuti tifambe maari.

VaJudha nevahedheni vakasanganiswa muna Kristu Jesu

11Naizvozvo rangarirai kuti imwi maimbova vahedheni munyama, vanonzi kusadzingiswa nechinonzi kudzingiswa munyama kunoitwa nemaoko, 12kuti panguva iyo makange musina Kristu, muri vatorwa paubwo hwaIsraeri, uye vatorwa pasungano dzechivimbiso, musina tariro, uye musina Mwari panyika. 13Asi ikozvinowo muna Kristu Jesu, imwi maimbova kure, mava pedo neropa raKristu. 14Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zviviri zvive chimwe, uye wakaputsa mudhuri wapakati wekuparadzanisa, 15aparadza munyama yake ruvengo, iwo mutemo wemirairo pazviga, kuti asike maari vaviri vave munhu umwe mutsva, aite rugare, 16uye ayananise vaviri kuna Mwari mumuviri umwe kubudikidza nemuchinjikwa, auraya ruvengo nawo, 17uye wakasvika akaparidza rugare kwamuri imwi maiva kure, nekune avo vaiva pedo; 18nokuti kubudikidza naye tese tine mapindiro neMweya umwe kuna Baba. 19Naizvozvo zvino hamusisiri vaeni uye vatorwa, asi vebwo pamwe nevatsvene uye veimba yaMwari. 20Makavakwa pamusoro penheyo dzevaapositori nevaporofita, Jesu Kristu amene ari ibwe repakona. 21Maari imba yese yakabatanidzwa ikure ive tembere tsvene muna Ishe. 22Maari nemwiwo makavakwa pamwe muve ugaro hwaMwari muMweya.

Copyright information for Shona